sna-x-korekore_mrk_text_reg/09/17.txt

1 line
431 B
Plaintext

\v 17 Mumwe aiwa pachaunga adomupindula , ''Mudzidzisi, ndauya nomwanalumbwana wangu kwamuli. Anomwoya unomutadzisa kutaula. \v 18 Zvinoti kana zvamubata zvinomudonhedzela pasi, uye anopupuma fulo pamulomo, nokutsenga - tsenga meno uye anopela muwili. Ndaudza watewedzeli kuti waubulitse maali asi watadza.'' \v 19 Adowapindula, ''Ludzi lokusatenda, ndisagala nemi kusvika kupi? Ndisawa nemi kusvika linhi? huyai naye kwandili.''