\v 13 Adoona muti wemukuyu ali chinhambwe waive nemazani akasvipila, adofendela paduze nawo kuti angawane muchelo pauli, hapana chaakawana asi mazani chete, nekuti yanga isili nguva yamakuyu. \v 14 Adotaula kwauli, " Hapana achazoja muchelo kubva pauli zvekale.' Adzidzi wache adozvinzva.