\v 25 Zvino pakalepo paiwe nomunhukadzi waibilika gazi kwemakole gumi na mavili. \v 26 Adotambudzika nakupedza madokotela na zvose zvaiwanazvo, asi panakuti apole zvaitonyanya kuwedzela. \v 27 Paadonzva ne zva Jeso , adouya pedyo naye ali muluzhinji ndokubata hembe yake.