\v 4 Asi Petro akatanga kuwatsanagurira zvose zvichitewedzanasokuitika zvakanga zvakaitika akati: \v 5 Ini ndainamata muguta reJopa, uye ndakawona chiratidzo: Chinhu chakaita sejira guru chichibhuruka kubva kudenga namakona acho mana, uye chaburuka chikasvika pandaiwa. \v 6 Pandakaramba ndakatarira, ndikaona mhuka dzenyika dzine makumbo mana, zvekara zvesango, nezvinokambaira, neshiri dzedenga.