\v 4 Uye Petro, akaramba akamutarira kwaari, wese na Johani, wakati: Titarire. \v 5 Uye chirema chakawatarira kwawari, achimirira kugamuchira chinhu kwawari. \v 6 Ipapo Petro akati: sirivha nendarama atina; asi chandiri nacho, ndinokupa: muzita raJesu Kristu, wenazareta, simuka, ufambe!